Dhaga ne ShonaScript
Apa ndopauchaona kunyora code kwave kuita kunge magic, saka gadzirira.
Box ne Bhatani#
Tave kudzokera ku box ne bhatani.
Taona kuti bhatani ne box zvinogadzirwa sei kumashure, asi ma bhatani edu anga asingashande nekuti haana kupihwa zvekuita zvacho kana munhu achinge amabaya.
Taakuda kuumba zvinhu izvi:
boxregreenbhatanirekutanga rekuti munhu akabaya,boxrinochinja kuitaredbhatanirechi 2 rekuti munhu akabaya,boxrinochinja kuitagreenTikuda kuedza kuteedzera zvinoitatraffic lightmuroad richimisa mota
Kuti Uzoudza ShonaScript zvekuita nema box, kana munhu achinge abaya ma bhatani unofana kupa zvinhu zvese izvi mazita kunge mavariables.
Panguva ino unotarisirwa kunge uchiziva kuti mavariables anobvumidzwa akaita sei sezvakatsanangurwa mu ShonaScript. Saka tichapa mazita aya:
box-boxOnebhatanirekutanga -btOnebhatanirechi 2 -btTwo
zita racho rinongonyorwa pamberi pe chinhu chacho sokuti:
box boxOne:;Tichabva taudza shonascript kuti kana munhu abaya bhatani rekutanga btOne, chinja color ye boxOne kuita green. Pakubayawo bhatani btTwo, chinja color ye boxOne kuita red
Unoshandisa shonascript mudhaga seizvi:
shonascript{
}Izvi ndizvo zvinoratidza kuti waakuisa shonascript ichashanda ne Dhaga iri muma brackets ayo.



chii chikuitika apa
- Tagadzira
boxrinekf-10,kr-10, tobva tabvisa makona nakn-10 - Tagadzira mabhatani 2 re green richazoita kuti box richinje kuita green, nere red richazoita kuti
boxrichinje kuitared - Tanyora ShonaScript inoita kuti kana munhu abaya
btOne,boxriite green, asi kana abayawobtTwo,boxriitered
ShonaScript yashanda apa
ShonaScript yatiri kushandisa apa ndiyo yekare, asi yakawedzerwa zvimwe zvinhu zvinoita kuti ugone kuishandisa ne Dhaga.
Ngatitarise ShonaScript yatashandisa apa.
pakubaya btOne {
}Apa tinenge tichiudza ShonaScript kuti pakubayiwa kwa btOne, ita izvi zviri muma brackets
pakubaya btOne { pa boxOne chinja c kuita "red"}Apa tikudza ShonaScript kuti kana munhu abaya btOne, enda pana boxOne, obva wachinja c, apa c ndiyo color iye ye box, kuita red.
Ukasaisa ma quotes pana red, ShonaScript ichafunga kuti red wacho ivariable, saka ichaedza kutsvaga kuti variable yacho yambogadzirwa here mu shonascript. Kana variable iyi isina kumbogadzirwa, unoudzwa kuti paita problem.
Zvimwe Zvaunogona kuchinja#
Pamusoro apa tangochinja color tichishandisa c
Unogona kuchinjawo izvi:
| Chekuchinja | Muenzaniso |
|---|---|
| c - color | pa boxOne chinja c kuita "red" |
| ms - mashoko | pa boxOne chinja ms kuita "Zita rako" |
| kn - kona | pa boxOne chinja kn kuita 4 |
| kf - kufara(width) | pa boxOne chinja kf kuita 2 |
| kr - kureba(length) | pa boxOne chinja kr kuita 3 |
| ms-c - color yemashoko | pa boxOne chinja ms-c kuita "purple" |
v - viga box | pa boxOne chinja v kuita "hongu" kana kuti pa boxOne chinja v kuita "kwete" |
Chine basa apa kuziva zvaukuda kuchinja pa box rako, hazvireve kuti unofana kuchinja zvinhu zvese zvepa box
Kutora zvinhu zvebox#
Taona kuti unogona kuchinja zvinhu zvepa box kana zviri mukati macho uchishandisa
pa boxOne chinja c kuita "red"Unogona kunge uchida kuona kuti c wacho wepa box ndiani. Apa unenge uchiedza kumutora c iyeye woita zvaunoda naye, seizvi
pakubaya btOne{ x = pa boxOne tora c nyora(x)}Apa tatora c pa boxOne tichishandisa pa boxOne tora c, tobva tagadzira variable yacho yezvatinowana ipapo.
Pazasi pacho tazotuma shonascript kuti ichinyora variable iyi


chii chikutika apa
- Tabvisa
btTwokubva muDhaga - Mu ShonaScript, tashandisa
pa boxOne tora ckuti titorecolor, tobva tagadziravariableinonzixye color iyoyo - Tashandisa
nyora(x)kunyora variable x yagadzirwa paline 11 - Nyora anoburitsa
boxrakanyorwa zvinhu zvacho zvawatumaShonaScriptkuti ikunyorere, saka apa pabuda oakanzigreen, zvechokwadiwo,boxOnewedu tamupac-greenmuDhaga
Kutora zviri mu box#
Unokwanisa kutora mashoko arimubox rinonzi boxOne uchishandisa ms seizvi:
pa boxOne tora msKana mubox muinewo nhamba chete pasina chimwe chinhu, unoitora nhamba iyoyo uchishandisa nm seizvi:
pa boxOne tora nmMusiyano uri pakati pemashoko nenhamba ndewekuti mashoko haakwanise kusanganiswa sezvinoita ma nhamba sokuti 1+1 inokupa 2
Ukaedza kusanganisa mashoko sokuti
"panashe" + "muriro"panobuda panashe muriro, mashoko aya haana kusanganisw, asi abatanidzwa, saka ndiwo musiyano uripo
Saka izvi zvinoreva kuti ukaenda mu shonascript ukanyora
"2"+"2"panobuda 22, hazvisi kureva maths yekuti kuti 2+2 inoburitsa 22, asi zvikureva kuti mashoko ekuti "2" na "2" vabatanidzwa kuita 22
Izvi zvakakosha kunzwisisa nekuti kana uine nhamba mu box sokuti
box boxOne:23;
obva waudza ShonaScript kuti tora mashoko arimu box uchishandisa
x = pa boxOne tora msShonaScript inokupa x ari "23" apa, zvichireva kuti ukazoedza kuda kusanganisa x uye ne imwe nhamba sokuti 20 ShonaScript inotarisa zvinhu izvi sokuti
"23"+20Nekuti ukuda kuedza kusanganisa mashoko ne nhamba, ShonaScript ichangobatanidza zvinhu izvi kuita 23 20 nekuti haukwanise kusanganisa mashoko ne nhamba
Chitarisa zvikutika apa


chii chikuitika apa
- Tatora mashoko arimu
boxOnetichishandisams.- Nhamba 23 irimo mu
boxOneichaonekwa semashoko kuti "23"
- Nhamba 23 irimo mu
- Taedza kusanganisa mashoko aya ne nhamba 20, tobva tagadzira
variableinonziy, yatichazonyora kuti tione kuti zvii zvaitika - Pabuda
23 20, saka apa hapana kusanganiswa ma mashoko ne nhamba, asi zvabatanidzwa


chii chikuitika apa
- Tatora nhamba irimu
boxOnetichishandisanm. - Tasanganisa nhamba iyi neimwe nhamba, izvi zvnosanganisika
- Panobuda 43 nekuti ndiyo 20 + 23
Chinonzi Website ne Web Application#
Kumashure uku tanga tichinyanya kutaura kuti website.
Apa nekuti taakushandisa ma bhatani tichiita kuti munhu abaye achichinja zvinhu, tinenge tichigadzira inonzi web application.
Musiyano uripo pakati pe website ne web application ndewekuti website inonyanya kunge iri yekuverenga zvinhu pasina zvakawanda wanda zvekubaya kana kuchinja, asi web application inoita mabhatani akawanda uye pane kuchinja chinja kunenge kuchiitika ipapo.
Kana ukaenda pa google wotanga kushandisa application yeShonaScript, unenge uchishandisa web application ipapo.
Whatsapp haisi web application, itongori application yemuphone chaiyo.
Makhambani anoshandisa ma website kuti vaudze vanhu basa ravanoita uye kuti kuratidza ma picture ebasa ravo.
Web application yakaoma kugadzira kupfuura website.
Ukaona uchinyora code ye Dhaga pasina ShonaScript, unobva waziva kuti ukugadzira website. Ukazotanga kunyora ShonaScript mu Dhaga, unobva waziva kuti ukugadzira web application
Zvekuita
Gadzira web application ine zvinhu izvi:
- Box rine:
- zita rekuti
boxOne kf-10kr-10- mashoko ari pakati
- mashoko akakura
ms-sz-4 - mashoko akakora
ms-uk-4 coloryeboxyaunodacoloryemashoko yaunoda
- zita rekuti
- Bhatani rine:
- icon ye yekubvisa
minusโ - zita rekuti btOne
- icon ye yekubvisa
- Bhatani rine
- icon yekusanganisa
plusโ๏ธ - zita rekuti btTwo
- icon yekusanganisa
- ShonaScript:
- pakubaya btOne



Ukabaya bhatani rine -, unofana kuona nhamba iri mu boxOne ichiita idiki. Ukabayawo + inofana kuita ihombe
Kuisa mashoko kubva mulist#
Ngatimboti une list mu shonascript, ukuda kuona zvinhu izvi zviri mulist pa application yako, unongoshandisa ms zvekare kuita izvi.
box boxOne:;
shonascript{vanhu = ["Tadiwa", "Rumbi", "Kudzi"];pa boxOne chinja ms kuita vanhu}

chii chikuitika apa
- Tagadzira
boxrinonziboxOne - Tashandisa shonascript kuichinja zviri mu
boxkuita zvinhu zvese zviri mulist- zvinhu zviri mulist zvinorongwa zvichidzika sezvikuoneka pa
pictureiyi
- zvinhu zviri mulist zvinorongwa zvichidzika sezvikuoneka pa
Teerera mhinduro#
Unoshandisa teerera mhinduro kana uchida kuti munhu anyore mashoko mu application yako.
Kuti uzotore zvinhu zvinenge zvanyorwa nemunhu mubox re teerera munduro unongohsnadisa tora ms sezvatanga tichiita pa box.
Zvekuita
Tikuda kugadzira zvinhu izvi:
- box rine:
kf-10kr-10colorchero yatinofarira- zita rekuti
boxOne
- teerera mhinduro
tmane:
kf-10colorchero yatinofarira- zita rekuti
tmOne
- bhatani rine:
- mashoko ekuti
chinja color kf-3kn-2- zita rekuti
btOne
- shonascript
- pakubaya
btOne - pa tmOne tora ms
- gadzira variable ye
pa tmOne tora ms - pa boxOne chinja c kuita color inenge yanyorwa nemunhu mu
tmOne


Kana ukanyora color mu tmOne umo wobaya bhatani, uchaona kuti boxOne achachinja color.
Unogona kunyora ma color anotanga na # aye arikumberi kwebhuku zvekare.
Zvekuita
Taakudzokera ku topic ye ma list yeku shonascript. Kuti unzwisise list zvekare, pakatsanangurwa kuti iwewe kana uchinge uchida kunotenga zvinhu, wobva wanyora pasi zvinhu zvacho, unenge uchinyora list.
Tikuda kugadzira aplication ine list ratichange tichiisa zvinhu zvatiri kuda kunotenga pamusika.
Chakakosha kuziva kuti tichashandisa chii kugadzira application iyi. Izvi ndizvo zvatichashandisa:
- box rekutanga rine:
kf-10kr-2- mashoko ekuti Shopping List, kana kuti zvimwe zvaunoda kunyora
- unogona kuchinja color yemashoko ne box racho kuita ma
coloraunofarira - Hatisi kuda kuchinja chinhu ne shonascript pa box iri, saka usaripe zita
- box rechi 2 rine:
- zita rekuti
bxOne kf-10kr-10- color yaunoda, tichatsvaga color yakarerekera ku
white
- teerera mhinduro ine:
- zita rekuti
tmOne - color yakarerekera ku white
kf-10kr-10
- bhatani rine:
- zita rekuti
btOne - color yaunoda
- icon ye kusanganisa (
plus)โ๏ธ kf-2kf-2kn-10
- ShonaScript:
- Munhu achatanga anyora zvaari kuda kunotenga pamusika
- gadzira list rako, asi usaise chinhu -
zvinhu = [] - pakubaya
btOne- pa tmOne tora ms anyorwa ne munhu
- gadzira variable yemashoko aya -
x = pa tmOne tora ms - chiisa variable iyi mu -
zvinhu.isa(x) - chinja mashoko arimu
boxOnekuita zvhinhu -pa boxOne chinja ms kuita zvinhu


Ukanyora zvinhu mu tmOne wobaya bhatani btOne, unoona kuti zvawanyora zvave mu box.
Izvi zvinotika nekuti list rako rezvinhu rawagadzira rawedzerwa nechinhu chawanyora mu tmOne.
Zvekuita
Chiisa rimwe bhatani rekuti kana munhu anyora mu tmOne, anobva abvisa zvaanyora izvozvo mulist re zvinhu riye.




Kugadzira box ne ShonaScript#
Ngatimboti ukuda kugadzira mabox akafanana ari 10, unogona kutongogadzira mabox aya ari 10 mu dhaga seizvi:
box:;box:;box:;box:;box:;box:;box:;box:;box:;box:;Izvi zvinoreva kuti kana ichida kugadzira 1000 mabox akafanana, unenge waakufana kunyora maline akawandisa e code ye Dhaga.
Ukaenda mu whatsapp, unoona kuti pamunhu wega wega waunotaura naye, panenge paine picture, zita, ne message yapedzisira kutumirwa kana kuti kusvika.
Aya angori ma box akafanana asi obva azongosiyana zviri mukati mawo, zvinoti: picture,zita ne message.
Ngatimboti ukuda kugadzira mabox 5 ane mazita aya "Taku", "Sandra","Ruvimbo", "Tatenda", "Danai". Tichatarisa nzira 2 dzaunogona kushandisa kuti zviitike
1. Kushandisa Dhaga chete#


chii chikuitika apa
- Taumba ma
box5 aya tichiumbaboxrimwe ne rimwe neDhaga - Kana tchida kuumba ma box 1000, zvinoreva kuti tinenge tichifana kutonyora ma line e
Dhagaanopfuura 1000, maline aya akawandisa uye tinenge tichizvipa basa rakawanda kana tikada kushandisa nizra iyi
2. Kushandisa ShonaScript ne Dhaga#


chii chikutika apa
- Taumba
boxrekubata nzvimbo muDhagarinonziboxTwo.boxrekubata nzvimbo rakangofanana ne hembe dzaunoona dzakapfekedzwa zvidhori mu shop ye hembe.- Hembe idzi dzinenge dziri dzekuti vanhu vaone kuti dzinobuda sei kana dzapfekwa, asi panozoita dzimwe dzakangofana dzinenge dzichitengeswa.
- Mu
boxTwotaisavariableinonzizita-ss, izvi zvinoreva kuti variable iyi inonzizita, asi ichabva kuShonaScript.
- Taumba box rekutanga rinonzi
boxOne, umu ndimo matichazoisa maboxatichaumba tichishandisaboxTwomuShonaScript.
Mu ShonaScript:
- Tagadzira
listrevanhu["Taku", "Sandra","Ruvimbo", "Tatenda", "Danai"] - Tapinda mu
listtichishandisapane munhu nu vanhu - Tichinge tapinda mu list tiri pane munhu wekutanga, Taku, tichaita izvi:
- Tichatora
boxTworekubata nzvimbo riye togadziravariable~x = pa boxTwo tora box - Tichinge tave naro, tichachinja variable iya inonzi zita yoita munhu arimu
listtichitiss-zita-x, izvi zvinoreva kuti ShonaScript ngaichitora variable iya inonzizitayepax,xndiroboxTworatagadzira pamusoro. - Saka kana tiri pana
Taku, tinenge tave neboxrine mashoko ekuti Taku mukati. - Kuti tizoisa box iri pa
website, unenge waakufana kuriisa mukati merimwebox, apaboxOnendiro ratagadzira richapinda maboxarikubva kuShonaScript xaveboxrine mashoko ekuti Taku mukati, kuti tiriise mukati me rimwe box riri muDhaga, tinenge tave kushandisapa boxOne wedzera box ne x- Apa hatisikuchinja zviri mu
boxOne, asi kuti tiri kuda kuwedzera pane zviri mubox imomo- Chimboedza kufunga kuti chii chinoitika kana ukshandisa
pa boxOne chinja box kuita x
- Chimboedza kufunga kuti chii chinoitika kana ukshandisa
- Tikabva pana Taku taakuenda pana Sandra, tichatora
boxTworiya rekubata nzvimbo zvekare, tongoita sezvataita pekutanga, zvichingodaro - Uchaoona kuti ma
box5 anogadzirika.
- Tichatora
Zvekuita
- Enda mu
listrevanhu mu ShonaScript, chiwedzera mazita evanhu nemamwe aunoda - Chitarisa kuti panobuda ma
boxmangani
Apa taona kuti mashoko arimubox ragadzirwa ne ShonaScript anochinjwa sei, unogonawo kuchinja mamiriro ebox uchishandisa nzira iyi.
Ngatimboti une list rema color, ["red","yellow","blue","purple","black"], unogona kugadzira mabox ane ma color aya uchishandisa ShonaScript sezvatongoita pamusoro apa.


chii chikuitika apa
- Tine
boxTwo, asicoloryeboxiri tikuda kuti ibve ku ShonaScript, saka taisac-ss, pane kutic-red. Izvi zvinoreva kuticacabva kuShonaScript. Mu ShonaScript: - Tazoti
ss-c-x = colorzvichireva kuti ShonaScript ngaichichinjacuye wepaboxratatoraxkuitacoloririkubva mulist.
Kushandisa bhegi
- Unogona kuda kuchinja
colorzvese nemashoko arimukati, sokuti ukuda kuti box rakanyorwa kuti Taku, riite red, ozoda kutiboxrakanyorwa kuti Sandra riitepurple. - Izvi zvinokwanisika uchishandisa chinonzi
bhegimu ShonaScript
Chii chinonzi bhegi?#
Kuti unzwisise chinonzi bhegi mu ShonaScript, ngatimboti iwewe une list remazita ezvinhu seizvi:
zvinhu = ["madomasi", "zumbani","mango"]Dambudziko riripo pa list rakadai nderekuti ungorine nemazita ezvinhu zvaukuda kunotenga pamusika chete pasina zvimwe.
Ngatimboti iwewe ukuda kuti list rako riratidze mari inokwana kutenga chinhu chimwe nechimwe chiri mu list rako sokuti:
madomasi anoita $3zumbani rinoita $1mango dzinoita $2Kana ukada kushandisa list remashoko, zvinonetsa kuti uronge zvinhu izvi nemari yazvo. Apa ndipo panoshanda bhegi.
Bhegi ririkutaurwa nezvaro apa ndiwo mabhegi aunoziva. Chine basa kuziva apa ndechekuti bhegi rine homwe.
Bhegi rinogona kuita homwe dzakasiyana siyana, dzepakati, dzepaside, dzekunze zvichingodaro.
Isusu kana tichifunga nezvebhegi, tiri kuda kupa homwe dzebhegi mazita akasiyana siyana sokuti tichapa imwe homwe dzebhegi redu mazita ekuti zita ne mari.
Muhomwe inonzi zita, tichaisa zita rechinhu chikuda kunotengwa chacho, tozoisa mari ichashandiswa mu homwe inonzi mari.
Unoita izvi muShonaScript sokudai:
{"zita": "madomasi", "mari": 3}Uku ndiko kutogadzira bhegi rine homwe yekutanga inonzi zita ine zita rechinhu chikuda kutengwa, yozoita imwe homwe inonzi mari ine nhamba yamari yacho ichashandiswa.
Kana waakuda kuona zviri muhomwe inonzi zita, unotanga wagadzira variable ye bhegi iri seizvi:
x = {"zita": "madomasi", "mari": 3}Apa tiri kuti x ndiro bhegi redu ratagadzira, tinovhura homwe inonzi zita seizvi:
x["zita"]Kuti tione kuti chiinobuda kana tavhura homwe iyi, tinenge tave kugadzira variable yatinozonyora kuti tione kuti zvii zvikuitika.
Taakudzokera ku ShonaScript


chii chikuitika apa
- Apa tadzokera ku ShonaScript
- baya
bhataniriri pazasi pe screen kuright, woenda pakanziShonaScript
- baya
- Tagadzira bhegi rinonzi
xrine homwe inonzizitaine"madomasi", ne imwe homwe inonzimariine3 - Tavhura homwe inonzi
zita, tobva tagadziravariableyezvinhu izvi inonziy - Tavhura homwe inonzi
mari, tobva tagadziravariableyezvinhu izvi inonziz - Tanyora ma
variablesaya kuti tione kuti zvii zvinobudayaburitsa"madomasi"ndiyo homwe yezita yatavhura nex["zita"]zaburitsa3ndiyo homwe yezita yatavhura nex["mari"]
Saka pane kuti uve ne list remashoko, unogona kuva ne list remabhegi sokuti:
zvinhu = [ {"zita": "madomasi", "mari": 3}, {"zita": "zumbani", "mari":1}, {"zita": "mango", "mari": 2}]Kana uine list rakadai, unogona kupinda mariri uchishandisa pane chinhu mu zvinhu sokuti:
pane chinhu mu zvinhu{
}Apa chine basa kunzwisisa ndechekuti kana wapinda mu list iri ne variable inonzi chinhu, variable ichange ichichinja kuita bhegi kusvika wabuda.
Kana uri pane chinhu chekutanga, chinhu anoita chinhu = {"zita": "madomasi", "mari": 3}, saka kana waakuda kuona kuti pabude zvinhu zviri muhomwe inonzi "zita", unenge waakuvhura homwe seizvi chinhu["zita"].


chii chikuitika apa
- Tagadzira list rezvinhu zvatikuda kunotenga
- Tapinda mu list ne
variableinzonzi chinhu -pane chinhu mu zvinhu - Tanyora
chinhupa line 7 kuti tione kuti panobuda chii- apa pabuda
bhegirine homwe ne zviri muhomwe macho sokuti{"zita": "madomasi", "mari": 3}
- apa pabuda
- Tavhura homwe inonzi
zitatichishandisachinhu["zita"], tobva tagadzira variable inonzixyatazonyora paline 9
Taakuda kudzokera ku Dhaga tonoshandisa list re bhegi kuchinja mashoko ne color
Zvekuita
- Wakapihwa list rema bhegi rakadai:
zvinhu = [ {"zita": "Taku", "color": "red"}, {"zita": "Sandra", "color": "blue"}, {"zita": "Ruvimbo", "color": "green"}, ]- Gadzira
boxrinonziboxOnerichapinda maboxachabva kuShonaScript - Gadzira rimwe
boxpazasi rinonziboxTwomudhaga, rinec-ss, ne mashoko mukati ekutizita-sszvichabva ku ShonaScript sezvatamboita kumashure Mu ShonaScript - gadzira
variableinonzixyoitaboxTwoseizvi:
x = pa boxTwo tora box- pinda mu list remabhegi,
zvinhu, nevariable inonzichinhuseizvi
pane chinhu mu zvinhu{
}- vhura homwe inonzi zita, ochinja
variableiya yabva kuDhagainzonzizita-ssyepaboxratatora kuita
ss-zita-x = chinhu["zita"]- Ita izvi kuchinja color
ss-c-x = chinhu["color"]- chiwedzera
boxiri muboxOne

